top of page

Unyanzvi hwemaArtist Gumi Nerimwe emuZimbabwe Uri Kuwedzera Mukurumbira Pasi Rose.

  • May 29
  • 4 min read

Na Richard Mudariki

Basa raRichi Madyira rakaitirwa pa oiri iri pa canvas (mugore ra2025)
Basa raRichi Madyira rakaitirwa pa oiri iri pa canvas (mugore ra2025)

Maartist eZimbabwe ari kuramba achisimbisa kukosha kweart yemuZimbabwe pasi rose. Kubvira kuLondon, Bucharest, Dallas, Singapore, Cape Town, neJohannesburg, maartist eZimbabwe ari kuwedzera kuoneka muzviratidziro zvikuru zvinotarisa nyaya dzakaita sechimiro chemunhu, zvechitendero nemweya, ndangariro, zvematongerwo enyika.


Pamwe chete, maratidziro aya anoratidza kusiyana kukuru uye simba remifungo riri kubuda muunyanzvi hwavo, pamwe nekuti maartist eZimbabwe ari kukwikwidza pasi rose pamusoro peunyanzvi hwezvetsika muAfrica.


Chimwe chezvratidziro chiri kuvhurwa nhasi, 28 Chivabvu, i Echoes of Home iri kuChristopher Møller Art Gallery muCape Town, iyo iri kuunza pamwe chete mabasa a Lionel Mbayiwa, Olamide Ogunade, naMpho Feni ayo ari kufungisisa pamusoro pemadzitateguru, ndangariro, uye kuzivikanwa kwevanhu muAfrica yose. Chiratidziro ichi chinotarisa kuti “musha” hausi nzvimbo chete, asi mamiriro etsika zvinoumbwa nenhaka, uye zviitiko zvehupenyu.


Wedu Lionel Mbayiwa weZimbabwe, ane mabasa anokuridzira pfungwa yemusha wakabatana zvikuru neruzivo rwemadzitateguru uye zvitendero zvechiShona. Basa rake rinobva mutsika dzekutaura nyaya, ngano, uye nzira dzemweya dzichiri kuumba kuzivikanwa kweAfrica yemazuva ano. Kuburikidza nemifananidzo ine zviratidzo uye nyaya dzakadzama, Mbayiwa anoongorora kuti huchenjeri hwakagarwa nhaka hunoramba huchikosha sei muhupenyu hwemazuva ano, sechinhu chinotungamira vanhu munyika iri kuchinja nekukurumidza. Kuzivikanwa kwebasa rake kuri kukura pasi rose kunoratidza kuwedzera kwekuremekedzwa kwemaartist eZimbabwe vane mabasa akadzika mufilosofi yeAfrica asi vachibatawo nyaya dzepasi rose.


Mushure mechiratidziro ichi, mupendi ane mukurumbira weZimbabwe Misheck Masamvu ari kudzoka nechiratidziro chinonzi Naked, chiratidziro chake chechipfumbamwe paGoodman Gallery Cape Town, chiri kuvhurwa musi wa30 Chivabvu. Chiratidziro ichi chinosanganisa mabasa matsva pamwe nemifananidzo yaakagadzira panguva yaaishandira muJohannesburg. Chiratidziro chaMasamvu chinoratidza kuramba kwake achiongorora kusagadzikana, kupatsanuka kwepfungwa, kutama, uye kusava nechokwadi kweupenyu. Masamvu anozivikanwa neruoko rwake rune simba, mifananidzo yakakanganiswa, uye mabasa ane pfungwa dzakadzama.


Chiratidzo che Naked chinoratidza kuda kwemartist kudzokera kumabasa ekare nekuashandura patsva, zvichiunza pfungwa dzendangariro, kugadzirisa, uye kuzvivandudza nguva dzose. Kuramba kwaMasamvu achiratidzira pasi rose kuri kuratidzawo kukosha kwekutsigirwa kwenguva refu kubva kumagallery ayo anovaka mabasa anogara kwenguva refu emaartist eAfrica.


Muvhiki rekutanga raChikumi 2026 kuchavhurwa chimwe chiratidziro muCape Town chinonzi Zambuko - Bridge, chiratidziro chega chemuartist weZimbabwe Cosmas Dandajenah paAlliance Française du Cap. Kuburikidza nemifananidzo yakapendwa neacrylic neoiri ine mavara akadzama, Dandajenah anoongorora nyaya dzemweya, kutsungirira, kubatana kwevanhu, uye hupenyu hwezuva nezuva hweAfrica.


Chiratidziro ichi chiri kuitwa panguva yemutambo unonzi First Thursday muCape Town, uye chinoratidza Dandajenah kuti ari pamwe nevamwe vake vari kukura semaartist eZimbabwe mukushandisa mifananidzo yevanhu uye nzira dzine manzwiro kutsvaga mimhinduro yekuva, kufamba, uye kuzivikanwa muhupenyu hwemaguta eAfrica yemazuva ano.


MuJohannesburg, mumwe artist wekuZimbabwe, Mandlenkosi Mavengere, achaita chiratidziro ega panguva yemutambo wekuTranswerke Building Open Studios paConstitution Hill. Chiitiko ichi chinobatanidza maartist neveruzhinji kuburikidza nekushanyira mastudio avo avanoshandira. Basa raMavengere rinotarisa avo vakatama, zvishuwo zvavo, uye mamiriro ehupfumi kuburikidza nemifananidzo ine mari dzakanyorwa nerumaoko rwake. Nekushandura mari kuita chinhu cheunyanzvi, anoongorora kukosha kwekurarama nehupfumi hweAfrica yemazuva ano.


Kunze kweSouthern Africa, maartist eZimbabwe ari kuwedzerawo kuoneka muEurope, Asia, nekuNorth America.


MuLondon, muvezi Terrence Musekiwa achavhura Dare Revavhumbamiri paTabula Rasa Gallery muHoxton musi wa2 Chikumi. Chiratidziro ichi chine zvivezwa zvishanu zvakaita sevanhu zvinomirira varindi nezvapupu, zvichibva pamadare etsika dzechiShona. Mabasa aya akagadzirwa nezvinhu zvakawanikwa nekushandurwa zvine hunyanzvi, zvichimutsa pfungwa dzemadzitateguru, tsika, ndangariro, uye kubatana kwevanhu. Maitiro aMusekiwa ari kuwedzera nzira itsva muunyanzvi hwekuveza hweZimbabwe kupfuura tsika yekuveza dombo kuenda kune zvivezwa zvinounganidzwa kwezvinhu.


Chiratidziro ichi chakakosha nekuti chinounza pfungwa dzakadzama dzetsika nemweya dzechiShona munzvimbo dzeart dzepasi rose , zvichiita kuti ruzivo rwechiShona rupinde mukukurukurirana kweunyanzvi hwevamwe hwepasi rose.


Panguva imwe cheteyo, Admire Kamudzengerere achavhura chiratidziro chikuru chinoratidza basa rake ega muBucharest, Romania, paGaleria Catinca Tabacaru musi wa30 Chivabvu. Chiratidziro ichi ndicho chekutanga chake ega muRomania mushure mekushanda pamwe negallery iri kwenguva yakareba. Basa rake rinosanganisira kudhinda mifananidzo iongorora kusawirirana kwezvematongerwo enyika, ndangariro, uye tariro yehupenyu zvakanaka muZimbabwe.


Chiratidziro ichi chinoratidza kuwedzera kwekufarira kwemaartist eZimbabwe muEurope, kunyanya avo vanobata nyaya dzezvematongerwo enyika nemanzwiro kuburikidza nekuyedza zvinhu zvitsva.


Pazuva rimwe chete mhiri kweAtlantic, maartist eZimbabwe ari kuwedzerawo kuoneka muUnited States. Chiratidziro chinonzi No Walls Between Us paSouth Dallas Cultural Center chinounza pamwe chete maartist eAfrica neekuTexas. Chiratidziro ichi chine maartist eZimbabwe vakaita saRichie Madyira, Pardon Mapondera, Tamary Kudita, Nothando Chiwanga, naMandlenkosi Mavengere nevamwe. Chinonyanya kukosha pa No Walls Between Us kusimbisa kubatana kwevanhu, nhaurirano, uye nhoroondo dzavo


Pamwe chete, maratidziro ese aya anoratidza hupamhi hukuru hweunyanzvi hwemaartist ari kubva kuZimbabwe nhasi. Maartist ari kubata nyaya dzemweya, ngano, zvematongerwo enyika, kutama, hupfumi, ndangariro dzemadzitateguru, zvakatipoteredza, uye pfungwa dzemunhu kuburikidza nekupenda, kuveza, kuunganidza zvinhu, kutora mifananidzo, kudhinda, uye mamwe maitiro akasiyana siyana.


Chimwewo chinhu chakaitika mwsvondo apfuura kusarudzwa kwemuartist weZimbabwe anogara muLondon anonzi Xanthe Somers, uyo akasarudzwa senyanzvi yekuumba hari neLOEWE FOUNDATION Craft Prize 2026. Akasarudzwa kubva pamabasa anodarika 5,100 evamwe vaikwikwidza, avo pamwe chete vaibva kunyika 133, uye mabasa ake ari kuratidzwa paNational Gallery Singapore kusvika 14 Chikumi. Basa rake The Caretaker’s Clotheshorse rinoshandura kugadzira kwehari kune chimiro chinoyeuchidza echinyakare cheZimbabwe asi richisundira hunyanzvi une chimazuva ano.


Kukosha kwekusarudzwa kwaSomers kuri pakuti basa rake rinobatsira mukuwedzera kwekufarira kwetsika dzeAfrica sechinhu chine hutsva kwete kungochengetedza nhaka chete. Kusarudzwa kwake kunoratidzawo shanduko iri kuitika mukuzivikanwa kwemaartist eZimbabwe pasi rose: kwete mukupenda chete asiwo mu design, sculpture, craft, uye mamwe maitiro anobvisa mutsauko pakati peunyanzvi netsika ezvinhu.


Izvi zvirikuitika zviri kuti ratidza shanduko yakakosha irikuitika muhunyanzvi hweZimbabwe. Maartists havachapindi muzviratidziro sevamiriri venyika yedu chete, asi vava kuzivikanwa sevagadziri vane ruzivo rwakadzama vari kupa pfungwa dzinokosha.


Richard Mudariki ndi artist uye muiti wezvetsika nemagariro. Ane dhigirii reBA Honours muCultural Heritage and Museum Studies kubva kuMidlands State University iri kuGweru.

Comments


artweb AFRICA logo_edited.jpg

© 2024 artweb

bottom of page